Matthew 19:9 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ndinoti kwamuri: Aninani unorasha mukadzi wake, asi nemhaka yoʋupombge, akawana mumŋe, unoita ʋupombge; nounowana wakarashwa, unoita ʋupombge.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ndinokuudzai kuti ani naani anoramba mukadzi wake, kunze chete nokuda kwoupombwe, akazowana mumwe mukadzi, atoita upombwe.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Uye ini ndinoti kwamuri, ani naani anoramba mukadzi wake kunze kokunge aita upombwe achizoroora mumwe anoita upombwe.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ndinoti kwamuri, ani naani anoramba mukadzi wake, asi nemhaka youpombwe, akawana mumwe, anoita upombwe; noanowana wakarambwa, anoita upombwe.”
Shona 2009?
Asi ndinoti kwamuri: Ani nani unoramba mukadzi wake, kunze kwemhaka youpombwe, akawana mumwe, unoita upombwe; nounowana wakarambwa unoita upombwe.
Shona SUB 2002 Bible
Ndinoti kwamuri, ani naani anoramba mukadzi wake, asi nemhaka youpombwe, akawana mumwe, anoita upombwe; noanowana wakarambwa, anoita upombwe.”