Matthew 2:11 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ʋakapinda mumba, ʋakawana mŋana naMaria mai ʋake; ʋakawira pasi, ʋakamunamata; ʋakasunuŋgura fuma yaʋo, ʋakamupa ɀipo ɀendarama, neɀinonhuwira, nemura.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Vakati vasvika pamba apa, vakaona mwana namai vake Maria, uye vakakotamira pasi vakamunamata. Vakasunungura pfuma yavo vakapa zvipo zvegoridhe, nezvinonhuwira nemura.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Pavakapinda mumba imomo vakaona mwana pamwechete naamai vake Maria. Vakasvikoti pasi gwadagwa vachimuremekedza. Vakasunungura upfumi hwavo vachimupa zvipo zvendarama nerusenzi nemura.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Vakapinda mumba, vakawana mwana naMaria mai vake; vakawira pasi, vakamupfugamira; vakasunungura mabutwa avo, vakamupa zvipo zvendarama, nezvinonhuwira, nemura.
Shona 2009?
Vakati vapinda mumba, vakavona mwana naMaria mai vake, vakawira pasi vakamunamata; zvino vakati vasunungura fuma yavo, vakamupa zvipo; ndarama, nezvipfungaidzo zvinonhuwira nemura.
Shona SUB 2002 Bible
Vakapinda mumba, vakawana mwana naMaria mai vake; vakawira pasi, vakamupfugamira; vakasunungura mabutwa avo, vakamupa zvipo zvendarama, nezvinonhuwira, nemura.