Matthew 2:15 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
akagara’ko kuȿikira Herode afa, kuti ɀiitike ɀakarebga naShe nomuromo womuprofita, aciti: Ndakaɗana mŋanakomana waŋgu abve Egipita.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
kwaakandogara kusvikira Herodhi afa. Saizvozvo zvakazadziswa zvakanga zvataurwa naShe kubudikidza nomuprofita achiti, “Ndakadana mwanakomana wangu kubva kuIjipiti.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Akagarako kusvikira Herodhi afa. Izvi zvakaitika kuti zvizadzise zvakanga zvamborehwa naTenzi nomuromo womuporofita zvokuti, “Ndakadaidza Mwanakomana wangu kubva kuIjipiti.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
akagarako kusvikira Herodhi afa, kuti zviitike zvakarehwa naIshe nomuromo womuporofita, achiti, “Ndakadana mwanakomana wangu abve Ijipiti.”
Shona 2009?
akavako kusvikira pakufa kwaHerodhe: kuti zvizadzisike zvakarehwa naShe nomuporofita, achiti: Ndakadana mwanakomana wangu abve Ijipiti.
Shona SUB 2002 Bible
akagarako kusvikira Herodhi afa, kuti zviitike zvakarehwa naIshe nomuromo womuporofita, achiti, “Ndakadana mwanakomana wangu abve Ijipiti.”