Matthew 2:16 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino Herode, wakati aʋona kuti wanyeŋgerwa naʋacenjeri, akatsamŋa kwaɀo‐kwaɀo; akatuma ʋanhu kundoʋuraya ʋana ʋaʋakomana ʋose ʋaiʋa muBetrehema napanyika yose yakapotereka, ʋaiʋa namakore maʋiri naʋaɗuku kwaʋari, iri ŋguʋa yaakanzwisisa kuʋacenjeri.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Kuzoti Herodhi aziva kuti vachenjeri vaya vainge vamunyengera, akashatirwa kwazvo, ndokubva arayira kuti vana vechikomana vose vaiva muBheterehema nomunzvimbo yakapoteredza vaiva namakore maviri zvichidzika vaurayiwe, maererano nenguva yaakanga audzwa naVachenjeri.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Herodhi, paakaona kuti akanga abatiswa pasi navazivi vezvenyenyedzi vaya, akaviruka nehasha akatuma vanhu kundouraya vana vakomana vose muBheterehemu nomunharaunda iyoyo yose vakanga vana makore maviri kana makore ari pasi paiwayo maererano nenguva yaakanga ataurirwa navazivi venyenyedzi vaya.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino Herodhi, akati aona kuti anyengerwa navachenjeri, akatsamwa kwazvo-kwazvo; akatuma vanhu kundouraya vana vakomana vose vaiva muBheterehemu munyika yose yakapoteredza, vaiva namakore maviri navaduku kwavari, iri nguva yaakanzwisisa kuvachenjeri.
Shona 2009?
Zvino Herodhe, wakati avona kuti anyengerwa navachenjeri, akatsamwa zvikurusa, akatuma, akaponda vanakomana vose vaiva muBhetirehemu napamigumo yayo yose, vaiva namakore maviri zvichiburuka, iri nguva yaakanga abvunzisisa kuvachenjeri.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino Herodhi, akati aona kuti anyengerwa navachenjeri, akatsamwa kwazvo–kwazvo; akatuma vanhu kundouraya vana vakomana vose vaiva muBhetirehemu munyika yose yakapoteredza, vaiva namakore maviri navaduku kwavari, iri nguva yaakanzwisisa kuvachenjeri.