Matthew 2:18 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Inzwi rakanzwika muRama, Rokucema nokurira kukuru; Rakeri acicema ʋana ʋake, Asiŋgaɗi kunyaradzwa, nokuti haʋaci’po.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Inzwi rakanzwikwa muRama rokuchema nokuungudza kukuru, Rakeri achichema vana vake, uye achiramba kunyaradzwa nokuti havachipo.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Izwi rakanzikwa muRama rokuchema nokuungudza kukuru, Rakeri achichema vana vake achiramba kunyaradzwa nokuti vakanga vasisipo.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Izwi rakanzwika muRama, Rokuchema nokurira kukuru; Rakeri achichema vana vake, Asingadi kunyaradzwa, nokuti havachipo.”
Shona 2009?
MuRama rakanzwika inzwi, kuungudza nokuchema nokurira kukuru, Rakeri achichema vana vake, asinganyaradziki, nokuti hava\add chi\add*po.
Shona SUB 2002 Bible
“Izwi rakanzwika muRama, Rokuchema nokurira kukuru; Racheri achichema vana vake, Asingadi kunyaradzwa, nokuti havachipo.”