Matthew 2:22 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Asi, wakati acinzwa kuti Arkerao waʋa mambo panɀimbo yaɓaɓa ʋake Herode, akatya kuenda’ko; akanyeʋerwa pakurota, akaenda kumatiʋi enyika yeGarirea;
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Asi paakanzwa kuti Arikerao akanga otonga muJudhea panzvimbo yababa vake Herodhi, akatya kuendako. Akati ayambirwa mukurota, akabva aenda kudunhu reGarirea,
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Asi paakanzwa kuti Akerausi ndiye aitonga muJudhea panzvimbo pababa vake Herodhi, akatya kuendako. Paakayambirwa mukurota akabva aenda kuruwa rweGarirea.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Asi, akati achinzwa kuti Arikerao wava mambo panzvimbo yababa vake Herodhi, akatya kuendako; akanyeverwa mukurota, akaenda kumativi enyika yeGariria;
Shona 2009?
Asi wakati achinzwa kuti Akerawo unotonga muJudhiya panzvimbo yababa vake Herodhe, akatya kuendako, asi akanyeverwa naMwari pakurota, akatendevukira kumativi eGariri.
Shona SUB 2002 Bible
Asi, akati achinzwa kuti Akerasi wava mambo panzvimbo yababa vake Herodhi, akatya kuendako; akanyeverwa mukurota, akaenda kumativi enyika yeGareriya;