Matthew 2:9 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ʋakati ʋanzwa mambo, ʋakaenda; ɀino, tarira, nyeredzi yaʋakaŋga ʋaʋona kumabvazuʋa, yakaʋatuŋgamirira, kuȿikira yandomira pamsoro peimba pakaŋga panomŋana.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Mushure mokunge vanzwa zvainge zvataurwa naMambo, vakapfuurira mberi norwendo rwavo, uye nyeredzi yavakanga vaoona kumabvazuva yakavatungamirira kusvikira yandomira panzvimbo paiva nomwana.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Pavakapedza kunzwa mambo vakasimudzirazve rwendo rwavo. Nyenyedzi iya yavakanga vamboona kumabvazuva ndiye n'a — a pamberi pavo ichivatungamirira kusvikira yandomira pamusoro penzvimbo yaiva nemwana.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Vakati vanzwa mambo, vakaenda; zvino, tarira, nyeredzi yavakanga vaona kumabvazuva, yakavatungamirira, kusvikira yandomira pamusoro peimba makanga munomwana.
Shona 2009?
Vakati vanzwa mambo, vakabva; zvino tarira, nyeredzi yavakavona kumabvazuva yakavatungamirira, kusvikira yandomira pamusoro pepakanga panomwana.
Shona SUB 2002 Bible
Vakati vanzwa mambo, vakaenda; zvino, tarira, nyenyedzi yavakanga vaona kumabvazuva, yakavatungamirira, kusvikira yandomira pamusoro peimba makanga muno mwana.