Matthew 20:10 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ʋokutaŋga ʋakati ʋaciʋuya, ʋakati ʋacapiwa nokupfuʋura; iʋo ʋakapiwa ʋo mumŋe nomumŋe denari.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Saka pakasvika vaya vakanga vatanga kushanda, vakatarisira kupiwa zvakawanda. Asi mumwe nomumwe wavo akapiwa dhinari.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Vokutanga vaya pavakauyawo, vakafunga kuti vachagamuchira yakawanda, asi mumwe nomumwe wavo akagamuchira dhenari.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Vokutanga vakati vachiuya, vakafunga kuti tichapiwa kupfuura; ivo vakapiwawo mumwe nomumwe dhenari.
Shona 2009?
Asi vokutanga vakati vachivuya, vakafunga kuti vachapiwa zvakapfuvura; asi ivo vakapiwavo mumwe nomumwe dhenari*.
Shona SUB 2002 Bible
Vokutanga vakati vachiuya, vakafunga kuti tichapiwa kupfuura; ivo vakapiwawo mumwe nomumwe dhinari.