Matthew 20:13 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Akapindura, akati kunomumŋe waʋo: Shamŋari, handikuitiri ɀisakarurama; hauna‐kutenderana neni kuti upiwe denari here?
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Asi akapindura mumwe wavo achiti, ‘Shamwari, handina chandakukanganisira. Ko, hauna kutenderana neni kushandira dhinari here?
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Asi iye akapindura mumwe wavo achiti, “Shamwari, handisi kukutadzira. Hauna kubvumirana neni here mubayiro wemari yedhenari?
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Akapindura, akati kunomumwe wavo, ‘Shamwari, handikuitiri zvisakarurama; hauna kutenderana neni kuti upiwe dhenari here?
Shona 2009?
Akapindura, akati kunomumwe wavo: Shamwari, handikuitiri zvisakarurama; hatina kutenderana padhenari* here?
Shona SUB 2002 Bible
Akapindura, akati kuno mumwe wavo, ‘Shamwari, handikuitiri zvisakarurama; hauna kutenderana neni kuti upiwe dhinari here?