Matthew 20:22 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Asi Jesu akapindura, akati: Hamuziʋi ɀamunokumbira. Muŋgagona kunwira pamukombe pandinozonwira ini, here? Ʋakati kwaari: Tiŋgagona.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Jesu akati, kwavari, “Hamuzivi zvamuri kukumbira. Mungagona kunwa mukombe wandichazonwa here?” Vakapindura vachiti, “Tinogona.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Jesu akapindura achiti, “Hamuzivi zvamuri kukumbira. Munogona here kunwa mukombe wamatambudziko wandichanwa.” Vakati kwaari, “Tinogona.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Asi Jesu akapindura, akati, “Hamuzivi zvamunokumbira. Mungagona kunwira mukombe pandinozonwira ini, here?” Vakati kwaari, “Tingagona.”
Shona 2009?
Asi Jesu akapindura, akati: Hamuzivi zvamunokumbira. Mungagona kumwa zvomukombe wandichamwa here? Kana kubhabhatidzwa nerubhabhatidzo rwandinobhabhatidzwa narwo here? Vakati kwaari: Tingagona.
Shona SUB 2002 Bible
Asi Jesu akapindura, akati, “Hamuzivi zvamunokumbira. Mungagona kunwira mukombe pandinozonwira ini, here?” Vakati kwaari, “Tingagona.”