Matthew 20:23 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Akati kwaʋari: Mucanwira henyu pamukombe waŋgu, asi kugara kuruʋoko rwaŋgu rworudyi, nokuruɓoshwe, handizini ndinopa, asi ndeɀa ʋakaɀigadzirirwa iɀo naƂaɓa ʋaŋgu.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Jesu akati kwavari, “Zvirokwazvo muchanwa mumukombe wangu, asi zvokuti mugare kurudyi kana kuruboshwe rwangu, handisini ndinopa. Nzvimbo idzi ndedzaavo vakadzigadzirirwa naBaba vangu.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Iye akati kwavari, “Kunwa mukombe wandichanwa, muchaunwa, asi zvokugara kurudyi rwangu nokuruboshe rwangu handisini ndinozvipa, asi ndokweavo vakakugadzirirwa naBaba vangu.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Akati kwavari, “Muchanwira henyu mukombe wangu, asi kugara kurudyi, nokuruboshwe, handisini ndinopa, asi ndezvavakazvigadzirirwa izvo naBaba vangu.”
Shona 2009?
Akati kwavari: Muchamwa zvirokwazvo zvomukombe wangu nokubhabhatidzwa nerubhabhatidzo rwandinobhabhatidzwa narwo, asi kugara kuruvoko rwangu rworudyi, nokuruboshwe, handizini ndinopa, asi ndezvavakazvigadzirirwa naBaba vangu.
Shona SUB 2002 Bible
Akati kwavari, “Muchanwira henyu mukombe wangu, asi kugara kurudyi, nokuruboshwe, handisini ndinopa, asi ndezvavakazvigadzirirwa izvo naBaba vangu.”