Matthew 20:25 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Asi Jesu akaʋaɗanira kwaari, akati: Munoziʋa kuti macinda aʋahedeni anoʋaraira, naʋakuru ʋaʋo ʋanoita simba naʋo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Jesu akavadana pamwe chete uye akati, “Munoziva kuti vatongi vavaHedheni vanobata ushe pamusoro pavo uye machinda avo makuru anoshandisa simba pamusoro pavo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Jesu akavadaidza akati kwavari, “Munozviziva imi kuti vatongi vechirudzi, pakutonga, vanoita zvomukundo uye vakuru vakuru vavo vanoita zvechisimba.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Asi Jesu akavadanira kwaari, akati, “Munoziva kuti machinda avahedheni anovarayira, navakuru vavo vanoita simba navo.
Shona 2009?
Asi Jesu akavadanira kwaari, akati: Munoziva kuti machinda enyika anovatsikirira, navakuru vavo vanoratidza simba pamusoro pavo.
Shona SUB 2002 Bible
Asi Jesu akavadanira kwaari, akati, “Munoziva kuti machinda avahedheni anovarayira, navakuru vavo vanoita simba navo.