Matthew 20:7 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ʋakati kwaari: Nokuti hapanomunhu wakatipa ɓasa. Akati kwaʋari: Endai nemi ʋo mumunda wemizambiriŋga.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Vakapindura vachiti, ‘Nokuti hapana munhu atipa basa.’ Akati kwavari, ‘Nemiwo endai mundoshanda mumunda wangu wemizambiringa.’
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Vakati kwaari, “Nokuti hapana atitora kuti atipewo basa.” Iye akati, “Nemiwo endaiwo mumunda wamagirepisi.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Vakati kwaari, ‘Nokuti hapana nomunhu akatipa basa.’ Akati kwavari, ‘Endai nemiwo mumunda wangu wemidzambiringa.’
Shona 2009?
Vakati kwaari: Nokuti hapanomunhu wakatipa basa. Akati kwavari: Endai nemwivo mumunda wemizambiringa muchawana zvose zvakafanira.
Shona SUB 2002 Bible
Vakati kwaari, ‘Nokuti hapana nomunhu akatipa basa.’ Akati kwavari, ‘Endai nemiwo mumunda wangu wemizambiringa.’