Matthew 20:8 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Aʋa maɗekwana, mŋene womunda wemizambiriŋga akati kumutariri wake: Ƌana ʋaɓati, uʋape muɓairo waʋo, ucitaŋga kunoʋokupedzisira, ugumire kunoʋokutaŋga.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Akati ava madekwana, muridzi womunda wemizambiringa akati kumutariri wake, ‘Dana vashandi ugovapa mubayiro wavo, uchitanga navapedzisira kupiwa basa kusvikira kune vokutanga.’
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Kumanheru muridzi womunda wamagirepisi akati kuno mutariri wake, “Chidaidza vashandi uvape mibayiro yavo utangise novokupedzisira uchigumisira nevokutanga.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ava madekwana, mwene womunda wemidzambiringa akati kumutariri wake, ‘Dana vashandi, uvape mubayiro wavo, uchitanga kunowokupedzisira, ugumire kune wokutanga.’
Shona 2009?
Ava madekwana, mwene womunda wemizambiringa wakati kumutariri wake: Dana vabati, uvape mubairo, uchitanga kunovokupedzisira, kuswikira kunovokutanga.
Shona SUB 2002 Bible
Ava madekwana, mwene womunda wemizambiringa akati kumutariri wake, ‘Dana vashandi, uvape mubairo wavo, uchitanga kuno wokupedzisira, ugumire kune wokutanga.’