Matthew 21:15 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Asi ʋaprista ʋakuru naʋanyori ʋakati ʋaciʋona ɀinoshamisa ɀaakaŋga aciita, naʋana ʋaciɗanidzira mutembere, ʋaciti: Hosana kuMŋanakomana waDavidi! ʋakafa neshuŋgu,
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Asi vaprista vakuru navadzidzisi vomurayiro pavakaona zvinhu zvinoshamisa zvaakaita, uye vana vachidanidzira mutemberi vachiti, “Hosana kuMwanakomana waDhavhidhi,” vakatsamwa.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Vapristi vakuru nenyanzvi dzomutemo pavakaona zvinaniso zvaakaita navana vaduku vaidaidzira muTemberi vachiti, “Hosana kuMwanakomana waDhavhidhi” vakashatirwa.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Asi vapristi vakuru navanyori vakati vachiona zvinoshamisa zvaakanga achiita, navana vachidanidzira mutemberi, vachiti, “Hosana Mwanakomana waDhavhidhi!” vakafa neshungu,
Shona 2009?
Asi vaprista vakuru navanyori vakati vachivona zvinhu zvinoshamisa zvaakanga achiita, navana vachidanidzira mutembere vachiti: Hosana* kuMwanakomana waDhavhidhi! Vakatsamwa zvikuru,
Shona SUB 2002 Bible
Asi vapristi vakuru navanyori vakati vachiona zvinoshamisa zvaakanga achiita, navana vachidanidzira mutemberi, vachiti, “Hosana Mwanakomana waDhavhidhi!” Vakafa neshungu,