Matthew 21:16 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
ʋakati kwaari: Unonzwa ɀaʋanotaura iʋaʋo here? Jesu akati kwaʋari: Hoŋo, hamuna‐kutoŋgoraʋa here, panoti: mumiromo yaʋacece naʋanomŋa makakwanisa kukudza?
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Vakamubvunza vakati, “Uri kunzwa zviri kurehwa navana ava here?” Jesu akavapindura achiti, “Hongu, hamuna kurava here panoti: “ ‘Pamiromo yavana navacheche makaisa rumbidzo’?”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Vakati kwaari, “Uri kunzwa here zviri kutaurwa navava.” Jesu akati kwavari, “Hongu, asi hamuna kumboverenga here kuti: “ ‘Mumiromo yavapwere navanoyamwa, makaburitsa kurumbidza kwakanakisisa.’ ”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
vakati kwaari, “Unonzwa zvavanotaura ivavo here?” Jesu akati kwavari, “Hongu,” hamuna kutongorava here, panoti, “Mumiromo yavacheche navanomwa makakwanisa kukudza?”
Shona 2009?
vakati kwaari: Unonzwa zvavanotaura ivava here? Jesu akati kwavari: Hongu, imwi hamuna kutongorava here, kuti: Mumuromo mavacheche navanomwa makazadza kukudza?
Shona SUB 2002 Bible
vakati kwaari, “Unonzwa zvavanotaura ivavo here?” Jesu akati kwavari, “Hongu,” hamuna kutongorava here, panoti, “Mumiromo yavacheche navanomwa makakwanisa kukudza?”