Matthew 21:19 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino, wakati aciʋona muʋonde mumŋe panzira, akaenda kwauri, akasawana cinhu kwauri, asi mashizha ɓedzi; akati kwauri: Ŋgakurege kuʋa neɀiɓereko kwauri nokusiŋgaperi. Muʋonde ukawoma pakarepo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Achiona muonde pedyo nomugwagwa, akatsaukira pauri asi haana kuwana chinhu pauri kunze kwamashizha. Ipapo akati kwauri, “Ngakurege kuva nemicherozve pauri!” Pakarepo muti uya wakabva wasvava.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Paakaona muonde parutivi penzira akaenda pauri. Hapana chaakawana pauri kunze kwamashizha chete. Akati kwauri, “Usazombofa wakabereka muchero zvakare.” Muonde wakabva wauna pakarepo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino, akati achiona muonde mumwe panzira, akaenda kwauri, akasawana chinhu kwauri, asi mashizha bedzi; akati kwauri, “Ngakurege kuva nemichero kwauri nokusingaperi.” Muonde ukaoma pakarepo.
Shona 2009?
Zvino, wakati achivona muvonde panzira, akaenda kwauri, akasawana chinhu kwauri, asi mashizha chete; akati kwawuri: Ngakurege kuva nezvibereko kwauri nokusingaperi. Muvonde ukaswava pakarepo.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino, akati achiona muonde mumwe panzira, akaenda kwauri, akasawana chinhu kwauri, asi mashizha bedzi; akati kwauri, “Ngakurege kuva nemichero kwauri nokusingaperi.” Muonde ukaoma pakarepo.