Matthew 21:2 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
akati kwaʋari: Endai kumusha wakatarisana nemi, pakarepo mucawana mboŋgoro yakasuŋgirwa, inemhuru yayo; mudzisunuŋgure, muʋuye nadzo kwandiri.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
achiti kwavari, “Endai kumusha wamakatarisana nawo uye imomo muchaona mbongoro yakasungirirwa pamwe chete nomwana wayo. Mudzisunungure muuye nadzo kwandiri.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Endai mumusha wakatarisana nemi muchasvikowana dhongi rakasungirirwa nomwana waro Asunungurei muuye nawo kwandiri.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
akati kwavari, “Endai kumusha wakatarisana nemi, pakarepo muchawana dhongi nemwana waro akasungirirwa, murisunungure, muuye naro kwandiri.
Shona 2009?
akati kwavari: Endai kumusha wakatarisana nemwi, pakarepo muchawana mbongoro yakasungirwa, inedhongwana; sunungurai, muvuyise kwandiri.
Shona SUB 2002 Bible
akati kwavari, “Endai kumusha wakatarisana nemi, pakarepo muchawana dhongi nemwana waro akasungirirwa, murisunungure, muuye naro kwandiri.