Matthew 21:23 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Wakati acipinda mutembere, ʋaprista ʋakuru naʋakuru ʋaʋanhu ʋakaʋuya kwaari acidzidzisa, ʋakati: Munoita ɀinhu iɀoɀi nesimba ripiko? Ndiani wakakupai simba iri?
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Jesu akapinda muruvazhe rwetemberi, uye paakanga achidzidzisa, vaprista vakuru navakuru vavanhu vakauya kwaari. Vakamubvunza vakati, “Muri kuita zvinhu izvi nesimba ripi? Uye ndiani akakupai simba irori?”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Paakapinda muTemberi, vapristi vakuru navakuru vakuru vavanhu vakauya kwaari paakanga achidzidzisa, vakati: “Unoita zvinhu izvi nesimba raani uye ndiani akakupa simba irori?”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Akati achipinda mutemberi, vapristi vakuru navakuru vavanhu vakauya kwaari achidzidzisa, vakati, “Munoita zvinhu izvozvi nesimba ripiko? Ndiani akakupai simba iri?”
Shona 2009?
Wakati apinda mutembere, vaprista vakuru navakuru vavanhu vakavuya kwaari achidzidzisa, vakati: Munoita zvinhu izvozvi nesimba ripiko? Ndiani wakakupai simba iri?
Shona SUB 2002 Bible
Akati achipinda mutemberi, vapristi vakuru navakuru vavanhu vakauya kwaari achidzidzisa, vakati, “Munoita zvinhu izvozvi nesimba ripiko? Ndiani akakupai simba iri?”