Matthew 21:24 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Jesu akapindura, akati kwaʋari: Neni ndicakubvunzai ʋo shoko rimŋe; kana mukandiʋudza iro, neni ndicakuʋudzai ʋo simba randinoita naro ɀinhu iɀi.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Jesu akapindura akati, “Nemiwo ndichakubvunzai mubvunzo mumwe chete. Kana mukandipindura ndichakuudzaiwo simba randiri kuita naro zvinhu izvi.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Jesu akavapindura achiti, “Kana neniwo ndinoda kukubvunzai mubvunzo. Kana mukandipa mhinduro, ini ndinobva ndakutauriraiwo kuti ndinoita izvi nesimba raani.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Jesu akapindura, akati kwavari, “Neni ndichakubvunzaiwo shoko rimwe; kana mukandiudza iro, neni ndichakuudzaiwo simba randinoita naro zvinhu izvi.
Shona 2009?
Jesu akapindura akati kwavari: Neni ndichakuvhunzaivo shoko rimwe; kana mukandivudza iro, neni ndichakuvudzaivo kuti ndinoita izvi nesimba ripi.
Shona SUB 2002 Bible
Jesu akapindura, akati kwavari, “Neni ndichakubvunzaiwo shoko rimwe; kana mukandiudza iro, neni ndichakuudzaiwo simba randinoita naro zvinhu izvi.