Matthew 21:25 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Rubapatidzo rwaJohane rwakabvepiko? Kuɗeŋga kana kuʋanhu here? Ʋakataurirana ʋaciti: Kana tikati, Kuɗeŋga, ucati kwatiri: Makagoregerei kumutenda?
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Rubhabhatidzo rwaJohani rwakabvepi? Rwakabva kudenga here kana kuvanhu?” Vakataurirana pakati pavo uye vakati, “Kana tikati, ‘Rwakabva kudenga’ achazobvunza kuti, ‘Zvino makaregerei kumutenda?’
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ruombeko rwaJohani rwakabvepi, kudenga here kana kuvanhu?” Vakataurirana vachiti, “Kana tikati rwakabva kudenga, iye achati kwatiri ko makaregerei kutenda kwaari?
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Rubhabhatidzo rwaJohani rwakabvepiko? Kudenga kana kuvanhu here?” Vakataurirana vachiti, “Kana tikati, ‘Kudenga,’ uchati kwatiri, ‘Makagoregerei kumutenda?’
Shona 2009?
Rubhabhatidzo rwaJohwani rwakabvepiko? Kudenga here kana kuvanhu? Vakataurirana vachiti: Kana tikati: Kudenga, uchati kwatiri: Makagoregerei kumutenda?
Shona SUB 2002 Bible
“Rubhabhatidzo rwaJohani rwakabvepiko? Kudenga kana kuvanhu here?” Vakataurirana vachiti, “Kana tikati, ‘Kudenga,’ uchati kwatiri, ‘Makagoregerei kumutenda?’