Matthew 21:32 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Nokuti Johane wakaʋuya kwamuri nenzira yokururama, mukasamutenda, asi ʋateresi neɀifeʋe ʋakamutenda. Imi makati muciʋona iɀoɀo, hamuna‐kuzoɀidya mŋoyo mukamutenda.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Nokuti Johani akauya kwamuri kuti azokuratidzai nzira yokururama, uye hamuna kumutenda, asi vateresi nezvifeve vakatenda. Uye kunyange mushure mokunge maona izvi hamuna kutendeuka mukamutenda.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Nokuti Johani akakuunzirai gwara roururami asi imi hamuna kutenda maari asi vateresi nepfambi vakatenda maari. Kunyange pamakazviona hamuna kutendeuka muchitenda kwaari.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Nokuti Johani akauya kwamuri nenzira yokururama, mukasamutenda, asi vateresi nezvipfeve vakamutenda. Imi makati muchiona izvozvo, hamuna kuzopinduka mukamutenda.
Shona 2009?
Nokuti Johwani wakavuya kwamuri nenzira yokururama, mukasamutenda; asi vateresi nezvifeve vakamutenda. Imwi makati muchivona izvozvo, hamuna kuzotendevuka kuti mumutende.
Shona SUB 2002 Bible
Nokuti Johani akauya kwamuri nenzira yokururama, mukasamutenda, asi vateresi nezvipfeve vakamutenda. Imi makati muchiona izvozvo, hamuna kuzopinduka mukamutenda.