Matthew 21:33 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Inzwai mumŋe mufananidzo: Mumŋe munhu waiʋa’po, mŋene weimba, wakasima munda wake wemizambiriŋga; akaukomba noruzhowa, akacera pokuȿinira mauri, akaʋaka cirindo, akaupa ʋarimi, ndokufamba rwendo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Inzwai mumwe mufananidzo. Kwakanga kuno mumwe murume akanga arima munda wake wemizambiringa. Akaukomberedza noruzhowa, akacherera chisviniro chewaini uye akavaka shongwe. Ipapo akasiya munda womuzambiringa kuvarimi vaimupa mari uye iye akaenda parwendo rurefu.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Teererai munzwe mumwe muenzaniso. Kwaiva nomumwe saimba akarima munda wamagirepisi ndokuukomberedza noruzhowa. Akacheramo guvi rokusvinira waini. Akavakawo nharire ndokuupa kuna vamwe varimi vokuushandisa vachimubhadhara, iye ndokuenda zvake kune imwe nyika.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Inzwai mumwe mufananidzo, kwaiva nomunhu aivapo, saimba, akasima munda wake wemidzambiringa; akaukomberedza noruzhowa, akachera guvi rokusvinira mauri, akavaka chirindo chirefu, akaupa varimi, ndokufamba rwendo.
Shona 2009?
Inzwai mumwe mufananidzo. Kwaiva nomumwe, mwene weimba, wakasima munda wake wemizambiringa; akaukomba noruzhowa, akachera pokusvinira waini mauri, akavaka shongwe, akaupa varimi, akaenda kune imwe nyika.
Shona SUB 2002 Bible
“Inzwai mumwe mufananidzo, kwaiva nomunhu aivapo, saimba, akasima munda wake wemizambiringa; akaukomberedza noruzhowa, akachera guvi rokusvinira mauri, akavaka chirindo chirefu, akaupa varimi, ndokufamba rwendo.