Matthew 21:41 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ʋakati kwaari: Ucaparadza kwaɀo ʋanhu aʋo ʋakaipa, akaisa ʋamŋe ʋarimi mumunda wemizambiriŋga, ʋacazomupa ɀiɓereko neŋguʋa dzaɀo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Vakapindura vakati, “Achaparadza varimi vakaipa ava, uye achapa munda womuzambiringa kuna vamwe varimi avo vachazomupa mugove wake wezvirimwa pakukohwa.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Achaparadza vanhu vakaipa ava norufu rwakaipisisa, achazopa munda wamagirepisi iwoyo kuna vamwe vokuti vaushandise vachimubhadhara vachimupa michero panguva yayo.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Vakati kwaari, “Achaparadza kwazvo vanhu avo vakaipa, akaisa vamwe varimi mumunda wemidzambiringa, vachazomupa michero nenguva yavo.”
Shona 2009?
Vakati kwaari: Uchaparadza zvakaipa vanhu avo vakaipa, akapa vamwe varimi munda wemizambiringa, vachazomupa zvibereko nenguva dzazvo.
Shona SUB 2002 Bible
Vakati kwaari, “Achaparadza kwazvo vanhu avo vakaipa, akaisa vamwe varimi mumunda wemizambiringa, vachazomupa michero nenguva yavo.”