Matthew 21:8 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ʋazhinji pakati paʋanhu ʋakawarira ŋguʋo dzaʋo munzira; ʋamŋe ʋakatema mataʋi emiti ʋakaawarira munzira.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Vanhu vazhinji vakawarira nguo dzavo mumugwagwa, vamwewo vakatema mapazi emiti vakaawarira mumugwagwa.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Vanhu vazhinji vegurumwandira riya vakawaridza hanzu dzavo mumugwagwa. Vamwe vakakwanhura masanzu emiti vachiawarira mumugwagwa.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Vazhinji pakati pavanhu vakawarira nguo dzavo munzira; vamwe vakatema matavi emiti vakaawarira munzira.
Shona 2009?
Chaunga chikuru chikawarira nguvo dzacho munzira; vamwe vakatema matavi pamiti vakawarira munzira.
Shona SUB 2002 Bible
Vazhinji pakati pavanhu vakawarira nguo dzavo munzira; vamwe vakatema matavi emiti vakaawarira munzira.