Matthew 22:11 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino mambo wakati acipinda kuzoʋona ʋagere pakudya, akaʋona munhu usina‐kupfeka ŋguʋo yomutambo wokuwana;
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Asi mambo akati apinda kuzoona vakanga vakokwa, akaona munhu imomo akanga asina nguo yesvitsa.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Mambo paakauya kuzoona vaeni, akaona imomo mumwe munhu akanga asina hanzu yomuchato.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Zvino mambo akati achipinda kuzoona vagere pakudya, akaona munhu asina kupfeka nguo yomuchato;
Shona 2009?
Zvino mambo wakati achipinda kuzovona vakokwa, akavona munhu usina kupfeka nguvo yomutambo wokuwana;
Shona SUB 2002 Bible
“Zvino mambo akati achipinda kuzoona vagere pakudya, akaona munhu asina kupfeka nguo yomuchato;