Matthew 22:12 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
akati kwaari: Shamŋari, wapinda pano seiko, usineŋguʋo yomutambo wokuwana? Akanyarara.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Akamubvunza akati, ‘Shamwari, wapinda seiko muno usina nguo yesvitsa?’ Munhu uya akashaya chokureva.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Akati kwaari, ‘Shamwari, wapinda seiko muno usina hanzu yomuchato?’ Akabva aomerwa nerokutaura.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
akati kwaari, ‘Shamwari, wapinda pano seiko, usina nguo yomuchato?’ ” Akanyarara.
Shona 2009?
akati kwaari: Shamwari, wapinda pano seiko, usinenguvo yomutambo wokuwana? Akashaya romuromo.
Shona SUB 2002 Bible
akati kwaari, ‘Shamwari, wapinda pano seiko, usina nguo yomuchato?’ ” Akanyarara.