Matthew 22:13 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino mambo akati kuʋaranda: Mumusuŋgei makumbo namaʋoko, mumukandirei kunze murima; apo pacaʋa nokucema nokugeɗa‐geɗa kwameno.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Ipapo mambo akaudza varanda vake akati, ‘Musungei maoko namakumbo mumukande panze, murima, umo muchava nokuchema nokurumanya kwameno.’
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mambo akati kuna vashandi vake, ‘Musungei maoko namakumbo mumukande murima rokunze.’ ” Ikoko vanhu vachachema nokurumanidza mazino.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino mambo akati kuvaranda, “Musungei makumbo namaoko, mumukandirei kunze murima; apo pachava nokuchema nokugeda-geda kwameno.”
Shona 2009?
Zvino mambo akati kuvaranda: Musungei makumbo namavoko, mumutore, mumukandire kurima rokunze; apo pachava nokuchema nokugeda-geda kwameno.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino mambo akati kuvaranda, “Musungei makumbo namaoko, mumukandirei kunze murima; apo pachava nokuchema nokugeda–geda kwameno.”