Matthew 22:16 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ʋakatuma kwaari ʋadzidzi ʋaʋo naʋaHerode, ʋaciti: Mudzidzisi, tinoziʋa kuti ndimi waɀokwaɗi, munodzidzisa nzira yaMŋari neɀokwaɗi, musiŋgaraŋgariri ɀinoʋonekwa ɀomunhu; nokuti hamutariri ɀiri kunze kwomunhu.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Vakatuma vadzidzi vavo kwaari pamwe chete navaHerodhi. Vakati, “Mudzidzisi, tinoziva kuti muri munhu akarurama uye kuti munodzidzisa nzira yaMwari zviri maererano nechokwadi. Hamutsauswi navanhu nokuti hamutarisi kuti ndivanaani.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Vakatuma kwaari vadzidzi vavo pamwechete nevechikwata chokwaHerodhi vachiti, “Mudzidzisi, tinoziva kuti muri munhu ari pachokwadi uye kuti munodzidzisa gwara raMwari zviri pachokwadi musingatyi munhu nokuti hamunei nechigaro chino munhu.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Vakatuma kwaari vadzidzi vavo navaHerodhi, vachiti, “Mudzidzisi, tinoziva kuti ndimi wechokwadi, munodzidzisa nzira yaMwari nechokwadi, musingarangariri zvinoonekwa zvomunhu; nokuti hamutariri zviri kunze kwomunhu.
Shona 2009?
Vakatuma kwaari vadzidzi vavo navaHerodhe, vachiti: Mudzidzisi, tinoziva kuti ndimwi wechchokwadi, munodzidzisa nzira yaMwari muchokwadi, musingarangariri zvomunhu, nokuti hamutariri chimiro chomunhu.
Shona SUB 2002 Bible
Vakatuma kwaari vadzidzi vavo navaHerodhi, vachiti, “Mudzidzisi, tinoziva kuti ndimi wechokwadi, munodzidzisa nzira yaMwari nechokwadi, musingarangariri zvinoonekwa zvomunhu; nokuti hamutariri zviri kunze kwomunhu.