Matthew 22:25 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Kwatiri kwakaŋga kunaʋanakomana ʋomunhu mumŋe ʋanomŋe; weɗaŋgwe akawana mukadzi, akafa asinaʋana, akasiyira munuŋuna wake mukadzi wake;
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Zvino pakati pedu paiva navanakomana vomunhu mumwe vanomwe. Wokutanga akawana mukadzi ndokubva iye afa, uye sezvo akanga asina vana, akasiyira munun'una wake mukadzi.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Zvino pakati pedu kwaiva navarume, mukoma nomunun'una vanomwe. Wokutanga akaroora akafa asina kuita vana. Akasiya mukadzi wake kumunun'una wake.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Kwatiri kwakanga kuna vanakomana vomunhu mumwe vanomwe; wedangwe akawana mukadzi, akafa asina vana, akasiyira munun'una wake mukadzi wake;
Shona 2009?
Takanga tine vanakomana vomunhu mumwe vanomwe; wedangwe akawana mukadzi, akafa asina vana, akasiyira munun'una wake mukadzi wake;
Shona SUB 2002 Bible
Kwatiri kwakanga kuna vanakomana vomunhu mumwe vanomwe; wedangwe akawana mukadzi, akafa asina vana, akasiyira munun'una wake mukadzi wake;