Matthew 22:4 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Akatuma ɀe ʋamŋe ʋaranda, akati: Ʋudzai ʋakakokerwa, muti: Tarirai, ndagadzira ciȿuȿuro caŋgu; nzombe dzaŋgu neɀakakora ɀaŋgu ɀaɓayiwa, ɀinhu ɀose ɀagadzirwa; ʋuyai kumutambo wokuwana.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Ipapo akatumazve vamwe varanda achiti, ‘Taurirai vose vakakokwa kuti ndagadzirira mabiko: Ndabaya nzombe nemombe dzakakodzwa uye zvose zvagadzirirwa. Uyai kumutambo wesvitsa.’
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Akatumazve vamwe varanda achiti indotaurirai vakakokwa vaya kuti, ‘Onai, ndagadzirira mabiko angu, ndabaya mombe, ndikabaya zvimhuru zvangu zvakakora. Zvose zvagadzirirwa. Chiuyai kumabiko omuchato.’
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Akatumazve vamwe varanda, akati, ‘Udzai vakakokwa, muti, tarirai, ndagadzira mabiko angu; nzombe dzangu nezvakakora zvangu zvabayiwa, zvinhu zvose zvagadzirwa; uyai kumutambo wokuchata.’
Shona 2009?
Akatumazve vamwe varanda, akati: Vudzai vakakokerwa \add muti\add*: Tarirai, ndagadzira chisvusvuro changu, nzombe dzangu nezvakakora zvabayiwa, zvinhu zvose zvagadzirwa; vuyai kumutambo wokuwana.
Shona SUB 2002 Bible
Akatumazve vamwe varanda, akati, ‘Udzai vakakokwa, muti, tarirai, ndagadzira mabiko angu; nzombe dzangu nezvakakora zvangu zvabayiwa, zvinhu zvose zvagadzirwa; uyai kumutambo wokuchata.’