Matthew 22:46 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Kwakaŋga kusinomunhu wakagona kumupindura shoko, ʋuye kwakaŋga kusinomunhu wakatsuŋga kumubvunza cinhu pazuʋa iro.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Hapana akagona kutaura shoko rimwe, uye kubva pazuva iroro zvichienda mberi hapana akazoshinga kumubvunza mimwezve mibvunzo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Hapana akagona kumupindura kana izwi zvaro. Uyewo kubvira pazuva iroro hapana akazofemerazve kumubvunza mibvunzo mimwe.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Kwakanga kusina munhu akagona kumupindura shoko, uye kwakanga kusina munhu akatsunga kumubvunza chinhu pazuva iro.
Shona 2009?
Zvino kukashaikwa munhu wakagona kumupindura shoko; uye kwakanga kusinomunhu kubva pazuva iro wakatsunga kumubvunzazve.
Shona SUB 2002 Bible
Kwakanga kusina munhu akagona kumupindura shoko, uye kwakanga kusina munhu akatsunga kumubvunza chinhu pazuva iro.