Matthew 22:8 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino akati kuʋaranda ʋake: Mutambo wokuwana wakagadzirwa, asi ʋakaŋga ʋakokerwa ʋakaŋga ʋasina‐kufanirwa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Ipapo akati kuvaranda vake, ‘Mutambo wesvitsa wagadzirirwa asi vaya vandakakoka vakanga vasingakodzeri kuti vauye.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Akazoti kuvaranda vake, ‘Muchato wagadzirirwa asi vaya vakakokwa vanga vasina kukodzera.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Zvino akati kuvaranda vake, ‘Mutambo wokuchata wakagadzirwa, asi vakanga vakokerwa vakanga vasina kufanirwa.
Shona 2009?
Zvino akati kuvaranda vake: Mutambo wokuwana wakagadzirwa, asi vakanga vakokwa vakanga vasina kufanirwa.
Shona SUB 2002 Bible
“Zvino akati kuvaranda vake, ‘Mutambo wokuchata wakagadzirwa, asi vakanga vakokerwa vakanga vasina kufanirwa.