Matthew 23:15 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Munenhamo, imi ʋanyori naʋaFarise, ʋanyeŋgeri! Nokuti munofamba paguŋgwa napanyika kuzotapa mudzidzi mumŋe; kana awanikwa, munomuita mŋanakomana weGehena kukunda imi kaʋiri.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Mune nhamo imi vadzidzisi vomurayiro nemi vaFarisi, vanyengeri! Munofamba panyika napamakungwa kuti mutendeutse munhu mumwe chete. Kana atendeuka munomuita mwanakomana wegehena kakapetwa kaviri panemi.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Zvichakuwanai imi nyanzvi dzomutemo nemi vaFarisei, vanyengedzi, munoyambuka makungwa muchidimuranisa masango kundopindutsa munhu mumwechete oga. Kana apinduka munomuita kuti ave munhu wokumoto muzhinji kakatopetwa kaviri kupinda imi.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Mune nhamo, imi vanyori navaFarisi, vanyengeri! Nokuti munofamba pagungwa napanyika kuzotapa mudzidzi mumwe; kana awanikwa, munomuita mwanakomana weGehena kukunda imi kaviri.
Shona 2009?
Vurombo kwamuri, imwi vanyori navaFaisi, vanyengeri, nokuti munofamba pagungwa napanyika kuzoita mumwe ave muJudha; kana awanikwa, munomuita mwanakomana wegehena kukunda imwi kaviri.
Shona SUB 2002 Bible
“Mune nhamo, imi vanyori naVaFarisi, vanyengeri! Nokuti munofamba pagungwa napanyika kuzotapa mudzidzi mumwe; kana awanikwa, munomuita mwanakomana weGehena kukunda imi kaviri.