Matthew 23:27 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Munenhamo, imi ʋanyori naʋaFarise, ʋanyeŋgeri! Nokuti makafanana namarinda akaceneswa, anoʋonekwa saakanaka kunze kwawo, asi mukati muzere namafupa aʋakafa netȿina yose.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Mune nhamo imi vadzidzisi vomurayiro nemi vaFarisi, imi vanyengeri! Makafanana namakuva akacheneswa kunze anotaridzika kuva akanaka kunze asi mukati muzere mapfupa avanhu vakafa nezvinhu zvose zvine tsvina.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Zvichakuwanai imi nyanzvi dzomutemo nemi vaFarisei, imi vanyengedzi, makafanana namakuva akadzururwa kuti mbuu nesuko. Anoratidzika zvakanakisa kunze asi mukati muzere mapfupa avanhu vakafa nokuora kose.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Mune nhamo, imi vanyori navaFarisi, vanyengeri! Nokuti makafanana namarinda akacheneswa, anoonekwa saakanaka kunze kwawo, asi mukati muzere namapfupa avakafa netsvina yose.
Shona 2009?
Vurombo kwamuri, imwi vanyori navaFarisi, vanyengeri! Nokuti makafanana namarinda akacheneswa, anovonekwa saakanaka zvirokwazvo kunze kwawo, asi mukati muzere namafupa a\add va\add*kafa netsvina yose.
Shona SUB 2002 Bible
“Mune nhamo, imi vanyori naVaFarisi, vanyengeri! Nokuti makafanana namarinda akacheneswa, anoonekwa saakanaka kunze kwawo, asi mukati muzere namapfupa avakafa netsvina yose.