Matthew 23:34 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Saka, tarirai, ndinotumira kwamuri ʋaprofita, naʋakacenjera, naʋanyori; mucaʋuraya ʋamŋe ʋaʋo, nokuʋaroʋer cinjikwa; mucaroʋesa ʋamŋe ʋaʋo mumasinagoge enyu, nokuʋadziŋgirira mumaguta ose.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Naizvozvo ndiri kukutumirai vaprofita navachenjeri navadzidzisi. Vamwe vavo muchavauraya uye muchavaroverera pamuchinjikwa; vamwe muchavarova mumasinagoge enyu uye muchavadzingirira kubva kune rimwe guta kusvikira kune rimwe guta.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Nokudaro ndichakutumirai vaporofita navachenjeri nenyanzvi dzomutemo. Vamwe muchauraya zvenyu nokuroverera pamuchinjikwa. Vamwe vavo muchavarova zvikuru mumasinagogu muchivatambudza muguta neguta,
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Saka, tarirai, ndinotumira kwamuri vaporofita, navakachenjera, navanyori; muchauraya vamwe vavo, nokuvarovera pamuchinjikwa; mucharovesa vamwe vavo mumasinagoge enyu, nokuvadzingirira mumaguta ose.
Shona 2009?
Saka, tarirai, ndinotumira kwamuri vaporofita, navakachenjera, navanyori; muchavuraya \add vamwe\add* vavo, nokuvarovera pamuchinjikwa; mucharovesa \add vamwe\add* vavo mumasinagoge enyu, nokuvatambudza mumaguta ose.
Shona SUB 2002 Bible
Saka, tarirai, ndinotumira kwamuri vaporofita, navakachenjera, navanyori; muchauraya vamwe vavo, nokuvarovera pamuchinjikwa; mucharovesa vamwe vavo mumasinagoge enyu, nokuvadzingirira mumaguta ose.