Matthew 23:35 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Kuti ropa rose raʋakarurama, rakateʋurirwa panyika, riʋuye pamsoro penyu, kubva paropa raAberi wakaŋga akarurama, kuȿikira paropa raZakaria, mŋanakomana waBarakia, wamakaʋuraya pakati petembere neartari.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Uye nokudaro, ropa ravakarurama vose rakateurwa panyika richauya pamusoro penyu kubvira paropa raAbheri akanga akarurama kusvikira paropa raZakaria mwanakomana waBherekia uyo wamakauraya pakati petemberi nearitari.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
kuti mupfukirwe neropa rose ravakarurama rakadeurwa pasi pose kubvira kuropa risina mhaka raAbhero kusvika kuropa raZakaria mwanakomana waBharakiya wamakauraya pakati penzvimbo inoera neatari.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Kuti ropa rose ravakarurama, rakateurirwa panyika, riuye pamusoro penyu, kubva paropa raAbheri akanga akarurama, kusvikira paropa raZekariya, mwanakomana waBharakia, wamakauraya pakati petemberi nearitari.
Shona 2009?
Kuti ropa rose ravakarurama, rakatevurirwa panyika, riuye pamusoro penyu, kubva paropa raAberi wakanga akarurama, kusvikira paropa raZakaria, mwanakonana waBarakia, wamakavuraya pakati petembere nearitari.
Shona SUB 2002 Bible
Kuti ropa rose ravakarurama, rakateurirwa panyika, riuye pamusoro penyu, kubva paropa raAbheri akanga akarurama, kusvikira paropa raZekariya, mwanakomana waBharakia, wamakauraya pakati petemberi neatari.