Matthew 23:5 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Asi maɓasa aʋo ose ʋanoaita kuti ʋaʋonekwe naʋanhu; nokuti ʋanofarisa mafirakitera aʋo, ʋanokurisa mipeto yeŋguʋo dzaʋo,
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Vanoita zvinhu zvose kuti vaonekwe navanhu. Vanotambanudza mafirakiteri avo uye vanorebesa pfunha dzenguo dzavo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Zvavanoita zvose, vanozviita kuti vaonekwe navanhu nokuti vanopamhamisa tubhokisi twavo twemitemo nokurebesa mhaswa dzapahanzu dzavo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Asi mabasa avo ose vanoaita kuti vaonekwe navanhu; nokuti vanofarisa mafirakitera avo, vanokurisa mipeto yenguo dzavo,
Shona 2009?
Asi mabasa avo ose vanoaita kuti vavonekwe navanhu; nokuti vanofarisa mafirakitera* avo, vanorebesa mipendero yenguvo dzavo,
Shona SUB 2002 Bible
Asi mabasa avo ose vanoaita kuti vaonekwe navanhu; nokuti vanofarisa mafirakitera avo, vanokurisa mipeto yenguo dzavo,