Matthew 24:1 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino Jesu wakaɓuɗa patembere, akati oenda, ʋadzidzi ʋake ʋakaʋuya kwaari kuzomuratidza dzimba dzetembere.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Jesu akabuda mutemberi, uye paakanga achifamba kudaro, vadzidzi vake vakaswedera kwaari vakamuratidza dzimba dzetemberi.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Jesu paakanga achibva muTemberi avakuenda, vadzidzi vake vakauya kwaari vachimunongedzera dzimba dzeTemberi.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino Jesu akabuda mutemberi, akati oenda, vadzidzi vake vakauya kwaari kuzomuratidza dzimba dzetemberi.
Shona 2009?
Zvino Jesu wakabuda akabva patembere; vadzidzi vake vakavuya kwaari kuzomuratidza dzimba dzetembere.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino Jesu akabuda mutemberi, akati oenda, vadzidzi vake vakauya kwaari kuzomuratidza dzimba dzetemberi.