Matthew 24:21 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Nokuti neŋguʋa iyo kucaʋa’po kutambudzika kukuru, kusati kwakamboʋa’po kwakaɗaro, kubva pakutaŋga kwenyika kuȿikira ɀino, ʋuye hakucazoʋi’po.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Nokuti ipapo pachava nenhamo huru isina kumbovapo kubva pakuvamba kwenyika kusvika zvino uye haizombovapozve.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Nokuti kuchava nenhamo huru isati yamboitika kubvira pakutanga kwapasi kusvikira pari zvino uye hazvichazombofa zvakaitikazve.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Nokuti nenguva iyo kuchavapo kutambudzika kukuru, kusati kwakambovapo kwakadaro, kubva pakutanga kwenyika kusvikira zvino, uye hakuchazovipo.
Shona 2009?
Nokuti nenguva iyo kuchavapo kutambudzika kukuru, kusati kwakambovapo kwakadaro kubva pakutanga kwenyika kusvikira zvino, uye hakuchazovipozve.
Shona SUB 2002 Bible
Nokuti nenguva iyo kuchavapo kutambudzika kukuru, kusati kwakambovapo kwakadaro, kubva pakutanga kwenyika kusvikira zvino, uye hakuchazovipo.