Matthew 24:29 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Pakarepo, shure kwokutambudzika kwamazuʋa iwayo, zuʋa ricaȿiɓa, mŋedzi haucazobginyi, nyeredzi dzicawa kuɗeŋga, namasimba okuɗeŋga acazunuŋguswa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Pakarepo shure kwokutambudzika kwamazuva iwayo, ‘zuva richasviba, uye mwedzi hauzovheneki; nyeredzi dzichawa kubva kudenga, namasimba omuchadenga achazungunuswa.’
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Nhamo yamazuva iwayo ichangobva mukupera, zuva richaora, mwedzi uchisvipa uye nyenyedzi dzichadonha kubva mudenga. Masimba omumatenga achazungunutswa.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Pakarepo, shure kwokutambudzika kwamazuva iwayo, zuva richasviba, mwedzi hauchazobwinyi, nyeredzi dzichawa kudenga, namasimba okudenga achazununguswa.
Shona 2009?
Pakarepo shure kokutambudzika kwamazuva iwayo, zuva richasviba, nomwedzi hauchazopi chiedza chawo. Nyeredzi dzichawa kudenga namasimba okudenga achazungunuswa.
Shona SUB 2002 Bible
“Pakarepo, shure kwokutambudzika kwamazuva iwayo, zuva richasviba, mwedzi hauchazobwinyi, nyenyedzi dzichawa kudenga, namasimba okudenga achazununguswa.