Matthew 24:3 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Wakati agara pagomo reMiorivi, ʋadzidzi ʋake ʋakaʋuya kwaari, ʋari ʋoga, ʋakati: Tiʋudzei, kuti iɀoɀi ɀicagoʋa riniko? Neciratidzo cokuʋuya kwenyu necokuguma kwenyika cicaʋa cipiko?
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Jesu akati agara paGomo reMiorivhi, vadzidzi vakauya kwaari vari voga vakati, “Tiudzei kuti zvinhu izvi zvichaitika rini, uye kuti chiratidzo chokuuya kwenyu nokuguma kwenyika chichava chei?”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Paakanga akagara pagomo roMuorivhi, vadzidzi vakauya kwaari vari voga pachavo vachiti, “Tiudzei, zvichaitika rinhi izvi uye chii chicharatidza kuti mavakuuya, uyewo kuti nyika yava kuguma?”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Akati agara pagomo reMiorivhi, vadzidzi vake vakauya kwaari, vari voga, vakati, “Tiudzei, kuti izvozvi zvichagova riniko? Nechiratidzo chokuuya kwenyu nechokuguma kwenyika chichava chipiko?”
Shona 2009?
Wakati agara pagomo reMiorivhi, vadzidzi vakavuya kwaari pachivande vakati: Tivudzei, izvozvo zvichagova rinhiko? Nechiratidzo chokuvuya kwenyu nechokuguma kwenyika chichava chipiko?
Shona SUB 2002 Bible
Akati agara pagomo reMiorivhi, vadzidzi vake vakauya kwaari, vari voga, vakati, “Tiudzei, kuti izvozvi zvichagova rinhiko? Nechiratidzo chokuuya kwenyu nechokuguma kwenyika chichava chipiko?”