Matthew 24:30 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ipapo ciratidzo coMŋanakomana womunhu cicaʋonekwa kuɗeŋga; ɀino marudzi ose enyika acacema, aciʋona Mŋanakomana womunhu aciʋuya pamsoro pamakore okuɗeŋga nesimba nokubginya kukuru.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Ipapo chiratidzo choMwanakomana woMunhu chichaonekwa kudenga, uye ndudzi dzose dzenyika dzichachema. Vachaona Mwanakomana woMunhu achiuya ari mumakore okudenga nesimba nokubwinya kukuru.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ndipo pachaonekwa mudenga chiratidzo choMwanakomana womunhu. Marudzi apasi pose achaungudza. Vachaona Mwanakomana womunhu achiuya ari mumakore edenga aine simba nembiri huru.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ipapo chiratidzo choMwanakomana womunhu chichaonekwa kudenga; zvino marudzi ose enyika achachema, achiona Mwanakomana womunhu achiuya pamusoro pamakore okudenga nesimba nokubwinya kukuru.
Shona 2009?
Ipapo chiratidzo choMwanakomana womunhu chichavonekwa kudenga; zvino marudzi ose enyika achachema achivona Mwanakomana womunhu achivuya pamakore okudenga nesimba nokubwinya kukuru.
Shona SUB 2002 Bible
Ipapo chiratidzo choMwanakomana womunhu chichaonekwa kudenga; zvino marudzi ose enyika achachema, achiona Mwanakomana womunhu achiuya pamusoro pamakore okudenga nesimba nokubwinya kukuru.