Matthew 24:31 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ucatuma ʋatumŋa ʋake nehwamanda huru, ʋacaʋuŋganidza ʋasanaŋgurwa ʋake kunobva mhepo inna, kubva kurutiʋi rumŋe rweɗeŋga kuȿikira kunorumŋe rutiʋi.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Uye achatuma vatumwa vake nokurira kwehwamanda kukuru uye vachaunganidza vasanangurwa vake kubva kumhepo ina dzenyika, kubva kuno rumwe rutivi rwedenga kusvikira kuno rumwe.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Iye achatuma vatumwa vake nehwamanda inorira kwazvo. Vachakokorodza vasarudzwi vake kubva kumativi mana enyika, kubvira kwakaperera nyika kusvikawo kwayakaperera rumwe rutivi.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Achatuma vatumwa vake nehwamanda huru, vachaunganidza vasanangurwa vake kunobva mhepo ina, kubva kurutivi rumwe rwedenga kusvikira kuno rumwe rutivi.
Shona 2009?
Uchatuma vatumwa vake nekurira kwehwamanda kukuru, vachavunganidza vasanangurwa vake kubva kumhepo ina kubva kumuganhu mumwe wedenga kusvikira kunomumwe muganhu.
Shona SUB 2002 Bible
“Achatuma vatumwa vake nehwamanda huru, vachaunganidza vasanangurwa vake kunobva mhepo ina, kubva kurutivi rumwe rwedenga kusvikira kuno rumwe rutivi.