Matthew 24:38 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Nokuti sapamazuʋa iwayo, mvura zhinji isati yaȿika, ʋaidya nokunwa, nokuwana, nokuwaniswa, kuȿikira zuʋa Noa raakapinda naro muareka,
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Nokuti sapamazuva iwayo mafashamu asati auya, vanhu vaidya nokunwa, vaiwana, nokuwanikwa kusvikira pazuva iro Noa akapinda muareka,
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Sapamazuva iwayo, mafashamo emvura asati auya, vanhu vaidya nokunwa vachiroora nokuroorwa kusvikira pazuva rakapinda Nowa mungarava.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Nokuti sapamazuva iwayo, mvura zhinji isati yasvika, vaidya nokunwa, nokuwana, nokuwaniswa, kusvikira zuva Noa raakapinda naro muareka,
Shona 2009?
Nokuti sepamazuva mafashame asati asvika, vaidya nokumwa, nokuwana, nokuwaniswa kusvikira zuva Nowa raakapinda naro muareka.
Shona SUB 2002 Bible
Nokuti sapamazuva iwayo, mvura zhinji isati yasvika, vaidya nokunwa, nokuwana, nokuwaniswa, kusvikira zuva Nowa raakapinda naro muareka,