Matthew 24:43 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Asi ziʋai iɀi, kuti mŋene weimba, ɗai aiziʋa ŋguʋa yokuȿika kwembava, uŋgaɗai airinda, akasatendera kuti imba yake ipazwe.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Asi nzwisisai izvi: Dai muridzi weimba aiziva kuti inguva ipi yousiku ichauya mbavha, angadai airinda uye haaizotendera kuti imba yake ipazwe.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Asi zivai izvi zvokuti dai saimba aiziva nguva yousiku ichauya nayo mbavha aigaririra. Haairega imba yake ichipazwa.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Asi zivai izvi, kuti dai saimba, aiziva nguva yokusvika kwembavha, angadai airinda, akasatendera kuti imba yake ipazwe.
Shona 2009?
Asi zivai izvi, kuti dai mwene weimba aiziva nguva ichasvika mbavha ungadai airinda akasatendera imba yake kuti ipazwe.
Shona SUB 2002 Bible
Asi zivai izvi, kuti dai saimba, aiziva nguva yokusvika kwembavha, angadai airinda, akasatendera kuti imba yake ipazwe.