Matthew 24:44 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Naiɀoɀo nemi ʋo, garai makaɀigadzira; nokuti Mŋanakomana womunhu ucaʋuya neŋguʋa yomusiŋgamutariri.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Naizvozvo nemiwo garai makagadzirira nokuti Mwanakomana woMunhu achauya nenguva yamusingamutarisiri.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Saizvozvo nemiwo garai makagadzirira nokuti Mwanakomana womunhu anouya nenguva yamusingamutarisiri.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Naizvozvo nemiwo, garai makazvigadzirira; nokuti Mwanakomana womunhu achauya nenguva yomusingamutariri.
Shona 2009?
Naizvozvo nemwivo garai makazvigadzirira; nokuti nenguva yamusingafungiri, Mwanakomana womunhu uchavuya.
Shona SUB 2002 Bible
Naizvozvo nemiwo, garai makazvigadzirira; nokuti Mwanakomana womunhu achauya nenguva yomusingamutariri.