Matthew 24:6 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Mucanzwa ɀokurwa neguhu rokurwa; cenjerai, musavunduka, nokuti iɀoɀi ɀose ɀinofanira kumboitwa, asi kuguma kucigere kuȿika.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Muchanzwa nezvehondo uye neguhu rehondo, asi chenjerai kuti murege kuvhundutswa nazvo. Zvinhu zvakadaro zvinofanira kuitika asi kuguma kunenge kusati kwasvika.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Muchanzwa zvehondo namarehwarehwa ehondo. Musanyanye kutya zvenyu. Izvi zvinofanira kuti zviitike asi magumo anenge asati asvika.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Muchanzwa zvokurwa nenyaya yokurwa; chenjerai, musavhunduka, nokuti izvozvi zvose zvinofanira kumboitwa, asi kuguma kuchigere kusvika.
Shona 2009?
Zvino muchanzwa zvehondo neguhu rehondo chenjerai musamanikidzwa nokuti zvose zvinofanira kumboitika; asi kuguma kuchigere kusvika.
Shona SUB 2002 Bible
Muchanzwa zvokurwa nenyaya yokurwa; chenjerai, musavhunduka, nokuti izvozvi zvose zvinofanira kumboitwa, asi kuguma kuchigere kusvika.