Matthew 24:9 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino ʋacakuisai kumaɗambudziko, ʋacakuʋurayai, mucaʋeŋgwa namarudzi ose nokuɗa kwezita raŋgu.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Ipapo muchaiswa kuna vanokutambudzai mugourayiwa, uye muchavengwa nendudzi dzose nokuda kwangu.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Vachakupinzai mudambudziko vachikuurayai. Muchavengwa namarudzi ose pamusana pezita rangu.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Zvino vachakuisai kumadambudziko, vachakuurayai, muchavengwa namarudzi ose nokuda kwezita rangu.
Shona 2009?
Zvino vachakukumikidzai kumatambudziko, vachakuvurayai; muchavengwa namarudzi ose nokuda kwezita rangu.
Shona SUB 2002 Bible
“Zvino vachakuisai kumatambudziko, vachakuurayai, muchavengwa namarudzi ose nokuda kwezita rangu.