Matthew 25:14 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Nokuti ɀakafanana nomunhu wakaenda kuneimŋe nyika, akaɗana ʋaranda ʋake, akaʋapa fuma yake.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Zvakare, zvichaita somurume akabuda kuti afambe rwendo, akadana varanda vake akavachengetesa pfuma yake.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Ndinodaro nokuti umambo hwedenga huchaita somunhu akanga ava kuenda kurwendo akadaidza varanda vake akaturira kwavari zvinhu zvake.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Nokuti zvakafanana nomunhu akaenda kune imwe nyika, akadana varanda vake, akavaronzera pfuma yake.
Shona 2009?
Nokuti zvakaita somunhu wakaenda kuneimwe nyika, akadana varanda vake, akavapa midziyo yake.
Shona SUB 2002 Bible
“Nokuti zvakafanana nomunhu akaenda kuneimwe nyika, akadana varanda vake, akavaronzera pfuma yake.